Acts 28:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakati ʋaciʋona cikara cakaremberera paruʋoko rwake, ʋakataurirana, ʋaciti: Ɀirokwaɀo munhu uyu muʋurayi, nokuti kunyaŋge aɗoponeswa hake paguŋgwa, Kururama hakumutenderi kuti aʋe mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pachavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.”
Shona 2009?
Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyangwe adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.”