Acts 28:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ɓaɓa ʋaPubrio ʋakaŋga ʋaʋete pasi, ʋakaɓatwa nefiviri nokuɓuɗisa ropa; Pauro akapinda kwaʋari, akanyeŋgetera, ndokuisa maʋoko ake pamsoro pake, akamuporesa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa.
Shona 2009?
Zvino baba vaPubhirio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa.