Acts 3:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
Shona 2009?
Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira Peturo naJohwani, vanhu vose vakamhanyira pamwechete kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vachishamiswa kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.