Acts 3:12 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi vaIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume vaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari?
Shona 2009?
Zvino Peturo wakati achivona \add izvozvo\add*, akapindura vanhu, \add akati\add*: Varume vaIsraeri, mashamisirweiko pamusoro pezvizvi? Munotidzvokorereiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume VaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari?