Acts 3:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoʋona, nowamunoziʋa; ʋuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa ɀakanaka kuɗai pamberi penyu mose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu uyu wamunoona nokuziva asimbaradzwa pamusana pechitendero chake muzita raJesu. Izita raJesu nechitendero chinobva maari chamupa utano uzere sokuonawo kwamuri kuita mose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
Shona 2009?
Nokutenda kuzita rake, munhu uyu wamunovona nowamunoziva, nezita rake ramusimbisa; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunoona, nowamunoziva; uye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.