Acts 3:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi saiɀoɀo Mŋari wakapedzisa ɀaakamboreʋa nomuromo waʋaprofita ʋose, kuti Kristu wake ucazotambudzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndiwo mazadzisiro akaita Mwari zvaakataura kare kubudikidza navaprofita vose, achitaura kuti Kristu wake aizotambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mwari zvaakafanotaura nemiromo yavaporofita vose kuti Mesia wake anofanira kutambudzika. Izvi akazvizadzisa nenzira iyoyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika.
Shona 2009?
Asi zvinhu izvo Mwari zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu uchazotambudzika wakazvizadzisa.
Shona SUB 2002 Bible
asi saizvozvo Mwari akapedzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake achazotambudzika.