Acts 3:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pasuo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi.
Shona 2009?
Zvino mumwe murume, waikamhina kubva mudumbu ramai vake, waitakurirwa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamusuwo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi.