Acts 3:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
iye unofanira kugamucirwa kuɗeŋga kuȿikira ŋguʋa yokugadzirwa kweɀinhu ɀose, yakarebga naMŋari nomuromo waʋaprofita ʋake ʋatȿene kubva pakutaŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kumboramba ari kudenga kusvikira nguva yokuti Mwari avandudze zvinhu zvose yasvika, sezvaakavimbisa kare kare kubudikidza navaprofita vake vatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
anofanira kumbochengetedzwa kudenga kusvikira zvinhu zvose zvaitika zvakataurwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vakare.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga.
Shona 2009?
wakafanira kuti denga rimugamuchire kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene vose kubva pakutanga kwenyika.
Shona SUB 2002 Bible
iye anofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarehwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga.