Acts 3:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mŋari wenyu, ucakumutsirai Muprofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; mucamuterera paɀose, ɀaanotaura kwamuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Mozisi akati, ‘Ishe Mwari wenyu achakumutsirai muprofita akafanana neni kubva pakati pavanhu venyu chaivo; munofanira kuteerera zvose zvaanokuudzai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akanyatsotaurawo achiti, ‘Tenzi Mwari achakumutsirai muporofita mukati mehama dzenyu sokumutsa kwaakandiita. Munofanira kumuteerera muna zvose zvaanokutaurirai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera panazvose, zvaanotaura kwamuri.
Shona 2009?
Nokuti Mozisi zvirokwazvo wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pahama dzenyu, wakafanana neni; muchamuteerera pazvose, zvaanotaura kwamuri.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Mosesi akati, ‘Ishe, Mwari wenyu, achakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, akafanana neni; muchamuteerera pana zvose, zvaanotaura kwamuri.