Acts 3:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imi muri ʋanakomana ʋaʋaprofita, naʋesuŋgano, yakaitwa naMŋari namadziɓaɓa enyu, aciti kunaAbrahama: Marudzi ose enyika acaropafadzwa muʋana ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imi muri vadyi venhaka yavaprofita neyesungano yakaitwa naMwari namadzibaba enyu. Akati kuna Abhurahama, ‘Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndimi vana vavaporofita vacho vanorehwa uye vechitenderano chaakaitwa naMwari namadzibaba enyu achiti kuna Abhurahamu, nokumwana wako mhuri dzose dzapasi pose dzichakomborerwa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’
Shona 2009?
Imwi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba edu, achiti kunaAbhurahamu: Muvana vako marudzi ose enyika acharopafadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Imi muri vana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kuna Abhurahamu, ‘Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.’