Acts 4:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋawedzera kuʋanyeʋera, ʋakaʋaregedza, ʋasiŋgawani mhoȿa yaʋaŋgaʋaroʋa nayo nokuɗa kwaʋanhu; nokuti ʋose ʋairumbidza Mŋari pamsoro peɀakaitwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokuvayambirazve vakavarega vakaenda. Havana kugona kufunga kuti vangavatonga sei, nokuti vanhu vose vakanga vachirumbidza Mwari pamusoro pezvakanga zvaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakawedzera kuvayambira vakavarega vachienda vashaya pokuvaranga napo pamusana pavanhu nokuti vanhu vose vairumbidza Mwari nezvakanga zvaitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
Shona 2009?
Zvino vakati vawedzera kuvayambira, vakavaregedza, vasingawani chinhu chavangavarangira nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;