Acts 4:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakati ʋaɀinzwa, ʋakaɗana kunaMŋari nomŋoyo mumŋe, ʋaciti: Tenzi, ndimi makaita ɗeŋga napasi, neguŋgwa, neɀose ɀiri mukati maɀo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa izvi, vakasimudza manzwi pamwe chete kuna Mwari vakanyengetera vachiti, “Ishe Mwari, imi makaita denga nenyika negungwa, nezvose zvirimo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakazvinzwa vakadaidzira pamwechete kuna Mwari vachiti, “Tenzi imi makasika denga napasi negungwa nazvose zvirimo imi naMweya Mutsvene mukati
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo;
Shona 2009?
Ivo vakati vanzwa, vakasimudzira inzwi kunaMwari nomoyo mumwe, vakati: Tenzi, ndimwi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;
Shona SUB 2002 Bible
Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kuna Mwari nomwoyo mumwe, vachiti, “Tenzi, ndimi makaita denga napasi, negungwa, nezvose, zviri mukati mazvo;