Acts 4:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋanyeŋgetera, nɀimbo yaʋakaŋga ʋakaʋuŋgana pairi ikazunuŋguswa; ʋakazadzwa ʋose noMŋeya Mutȿene, ʋakataura shoko raMŋari ʋasiŋgatyi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokunge vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi yakazungunuswa. Uye vose vakazadzwa noMweya Mutsvene vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakapedza kunamata nzvimbo yavakanga vakaungana yakandengendeka vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakataura izwi raMwari nechivindi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Shona 2009?
Zvino vakati vanyengetera nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana ikazununguswa; vakazadzwa vose naMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.