Acts 5:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀiratidzo neɀinoshamisa ɀizhinji ɀikaitwa pakati paʋanhu namaʋoko aʋaapostora; ʋose ʋaiʋa nomŋoyo mumŋe paɓiraʋira raSoromoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vapostori vakaita zviratidzo zvizhinji nezvishamiso pakati pavanhu. Uye vatendi vose vaiwanzosangana pamwe chete muBiravira raSoromoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakaitwa mukati mavanhu namaoko avapositori. Vaisanganira vose muBerere raSoromoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
Shona 2009?
Uye namaoko avapositora kwakaitwa zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvikaitwa pakati pavanhu namaoko avapostori; vose vaiva nomwoyo mumwe pabiravira raSoromoni.