Acts 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋazhinji ʋamaguta akapoteredza Jerusarema ʋakaʋuŋgana, ʋaciʋuya naʋarwere, naʋaitambudzika nemŋeya yetȿina, ʋakaporeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vazhinji zhinji vaibva mumaguta akapoteredza Jerusarema vakaunganawo, vakauya navarwere vavo navaya vaitambudzwa nemweya yakaipa, uye vose vakaporeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakaunganawo vachibva mumaguta akapoteredza Jerusaremu vachiuya navarwere vakanga vachitambudzwa nemweya yakaipa. Vose vakaporeswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
Shona 2009?
Uye kwakauyawo chaunga chemaguta akapoteredza Jerusarema, vachivuya navarwere, navaitambudzwa nemweya yetsvina, vakaporeswa vose.
Shona SUB 2002 Bible
Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusaremu vakaungana, vachiuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.