Acts 5:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakapinda mutembere maŋgwanani, ʋakadzidzisa. Ɀino muprista mukuru naʋaiʋa naye, ʋakaȿika, ʋakakokera makurukota neʋuŋgano yose yaʋakuru ʋaʋana ʋaIsraeri; ʋakatumira ʋanhu kutoroŋgo kuzoʋuya naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapinda mutemberi mangwanani, sezvavakanga vaudzwa, vakatanga kudzidzisa vanhu. Muprista mukuru navamwe vake vakati vasvika, vakaunganidza Dare Guru ramakurukota, ungano yose yavakuru, vakatumira vanhu kuti vandotora vapostori kujeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakateerera zvavakataurirwa izvi vakandopinda muTemberi mangwanani vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru akauya nevaaiva navo ndokuunganidza dare namakurukota ose avaIsiraeri. Vakatuma vanhu kuJeri kundovatora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino mupristi mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo.
Shona 2009?
Vakati vachinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muprista mukuru akasvika navaiva naye, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira \add vanhu\add* kutirongo kuti vavuye navo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutemberi mangwanani, vakadzidzisa. Zvino Mupristi Mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota neungano yose yavakuru vavana vaIsiraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzouya navo.