Acts 5:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Toroŋgo takaiwana yakazarirwa ɀakasimba kwaɀo, naʋarindi ʋakarindira pamikoʋa; asi takati ticizarura, tikasawana munhu mukati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tawana jeri rakanyatsozarirwa, navarindi vamire pamikova; asi patazarura, hatina kuwana munhu mukati.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tasvikowana Jeri rakanyatsokiiwa. Vachengeti vapaJeri vakamira pamisuo asi patarizarura hapana watawana mukati.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.”
Shona 2009?
tvachiti irongo zvirokwazvo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze pamikova; asi tati tichizarura, tikasawana munhu mukati.
Shona SUB 2002 Bible
“Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vakarindira pamisuwo; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.”