Acts 5:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukuru wetembere, naʋaprista ʋakuru, ʋakati ʋacinzwa mashoko iwayo, ʋakakaŋganiswa pamsoro paɀo, ʋasiŋgaziʋi kuti ɀinozoɗini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa chiziviso ichi, mukuru wavarindi vetemberi navaprista vakuru vakakanganisika, vachishaya kuti chii chaizoitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mukuru wapaTemberi navapristi vakuru pavakanzwa mashoko aya zvakavakangaidza vachishama kuti zvichaperera kupi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
Shona 2009?
Zvino Muprista nomukuru wetembere navaprista vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakahadzika pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukuru wetemberi, navapristi vakuru, vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.