Acts 5:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti: Takakurairai ɀikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, ɀino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu, muciɗa kuti ropa romunhu uyu riʋuye pamsoro peɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati, “Takakurayirai, zvakasimba kuti murege kudzidzisa muzita iri. Asi mazadza Jerusarema rose nedzidziso yenyu uye munoda kuti tive nemhosva yeropa romurume uyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achiti, “Takanyatsokuyambirai kuti musadzidzise nezita iri asi imi matozadza Jerusaremu nechidzidziso chenyu uye munoda kuti ropa romunhu uyu ritipfukire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti, “Takakurayirai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.”
Shona 2009?
achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti musadzidzisa nezita iri here? Zvino tarirai, mazadza Jerusarema nedzidziso yenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamusoro pedu.
Shona SUB 2002 Bible
achiti, “Takakurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri, zvino tarirai, mazadza Jerusaremu nokudzidzisa kwenyu, muchida kuti ropa romunhu uyu riuye pamusoro pedu.”