Acts 5:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa naʋanhu ʋose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti ʋanhu ʋaɓuɗiswe ciŋguʋa ciɗuku;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mumwe muFarisi ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, uyo aikudzwa navanhu vose, akasimuka pakati pedare akarayira kuti vanhu vambobudiswa panze kwechinguvana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mumwe muFarisei, nhengo yedare ainzi Gamarieri, mudzidzisi womutemo airemekedzwa navanhu vose, akasimuka akati ngavamboburitswa panze.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurayiro, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku;
Shona 2009?
Ipapo mumwe muFarisi akasimuka pamakurukota, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akaraira kuti vapositora vabudiswe chinguva chiduku;
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe muFarisi, ainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, aikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akarayira kuti vanhu vabudiswe chinguva chiduku;