Acts 5:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, aciti, ndiri munhu mukuru, ʋanhu ʋaneŋge mazana manna ʋakamuteʋera; iye akaʋurawa, naʋose ʋaimuterera ʋakaparadzirwa, nokuparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munguva yakapfuura, kwakambova, naTudhasi aizviti iye munhu mukuru, uye varume vanenge mazana mana vakamutevera. Akaurayiwa, vose vaimutevera vakaparadzirwa, uye zvikaguma zvava pasina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tisati tasvika pane zvanhasi izvi, kwakamuka Tudhasi achizviti ndini pano; chitsama chavarume vanosvika mazana mana chakamutevera asi akauraiwa. Vose vaimutevera vakabva vapararira zvikava chinhu pasina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kare kwakambomuka Tudhasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akaurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
Shona 2009?
Nokuti mberi kwemazuva awa kwakambomuka Tudasi, achizvikudza \add kuti\add* munhu, vanhu vanenge mazana mana vakazvisanganisa naye; iye akavurawa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kare kwakambomuka Tudhasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akaurayiwa, navose vaimuteerera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.