Acts 5:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Shure kwomunhu uyu Judasi weGarirea akamuka, pamazuʋa okuʋereŋgwa, akatsausa ʋanhu kuti ʋamuteʋere; iye akaparara, naʋose ʋakamuterera, ʋakaparadzirwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwake, Judhasi weGarirea akambovapowo pamazuva okuverengwa akatungamirira boka ravanhu mune zvokupanduka. Naiyewo akaurayiwa, uye vose vaimutevera vakaparadzirwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure make makamuka Judhasi wokuGarirea pamazuva okuverengwa kwavanhu. Akakokorodza vamwe vanhu vakamutevera. Naiyewo akaparara. Vose vaimutevera vakaita rumwe rumwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Shure kwomunhu uyu Judhasi weGariria akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.
Shona 2009?
Shure komunhu uyu kukamuka Judhasi weGariri, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.
Shona SUB 2002 Bible
Shure kwomunhu uyu Judhasi weGareriya akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuteerera, vakaparadzirwa.