Acts 5:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndinoti kwamuri: Musaɓata ʋanhu aʋa, muʋarege, nokuti kana kufuŋga uku neɓasa iri ɀiri ɀaʋanhu, ɀicaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, panyaya iyi ndinokurayirai kuti: Regai vanhu ava vakadaro! Regai vaende! Nokuti kana kufunga kwavo kuri kwomunhu, kuchaguma.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
Shona 2009?
Zvino ndinoti kwamuri: Sudurukai kuvanhu ava, muvasiye vakadaro, nokuti kana zano iri nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndinoti kwamuri, musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.