Acts 5:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana ɀiri ɀaMŋari, hamuŋgagoni kuɀiparadza; kuti ɀimŋe muŋgaɗai mucirwa naMŋari ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana kuchibva kuna Mwari, hamungagoni kukonesa vanhu ava; muchazoona kuti muri kurwa naMwari.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”
Shona 2009?
Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe muwanikwe muchirwa naMwari.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwariwo.”