Acts 5:40 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakamunzwa; ipapo ʋakati ʋaɗana ʋaapostora, ʋakaʋaroʋa, ʋakaʋaraira kuti ʋarege kutaura nezita raJesu; ʋakaʋaregedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutaura kwake kwakavadzikamisa. Vakadana vapostori kuti vapinde vakaita kuti varohwe. Ipapo vakavarayira kuti varege kutaura muzita raJesu, uye vakavaregedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro vakatevera zano rake. Pavakadaidza vapositori kuti vapinde, vakavarova vakavakomekedza kuti vasataure muzita raJesu ndokuvarega vachienda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vapostori, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
Shona 2009?
Vakamuteerera; ipapo vakati vadana vapositora vakarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
Shona SUB 2002 Bible
Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vapostori, vakavarova, vakavarayira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.