Acts 6:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino namazuʋa iwayo, ʋadzidzi ʋaciwanda, ʋaJuda, ʋaitaura ciGiriki, ʋakanyunyutira ʋaHeberu, nokuti cirikadzi dzaʋo dzaiɗarikwa pakugoʋerwa kwomusi mumŋe nomumŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagunun'una pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo vadzidzi pavakanga vava kuwanda vechiGiriki vakanyunyutira vechiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikirwa pakugoverwa kwamazuva ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo, uwandu hwavadzidzi huchiwedzera, vaJudha, vaitaura chiGiriki vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa komusi mumwe nomumwe.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura ChiGiriki, vakanyunyutira VaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.