Acts 6:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋose ʋakaŋga ʋagere pamakurukota, ʋakamutarisisa, ʋakaʋona ciso cake cakaita seciso comutumŋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vakanga vagere muDare Guru vakatarisisa Sitefani uye vakaona kuti chiso chake chakanga chaita sechiso chomutumwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dare rose rakanga rigeremo rakanyatsomutarisisa rikaona kuti uso hwake hwakanga hwakaita souso hwomutumwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
Shona 2009?
Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamudzvokora, vakavona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakaona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.