Acts 7:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamurwira panhamo dzake dzose, akamuɓatsira kuti aɗikanwe naFarao, mambo weEgipita, aʋe nokucenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weEgipita noweimba yake yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose.
Shona 2009?
Akamusunungura pamatambudziko ake ose, akamupa nyasha nenjere pamberi paFarao, mambo weIjipiti; iye akamuita mutariri pamusoro peimba yake yose.
Shona SUB 2002 Bible
Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose.