Acts 7:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Josefa aka ʋa tuma kundoɗana Jakobo, ɓaɓa ʋake, nehama dzake dzose, ʋanhu ʋaiʋa namakumi manomŋe naʋashanu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
Shona 2009?
Zvino Josefa akavatumira kundodana baba vake Jakobho, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.