Acts 7:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati: Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai: Mŋari wokubginya wakaɀiratidza kunaɓaɓa ʋeɗu Abrahama, ʋaciri Mesopotamia, ʋasati ʋagara Harani,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
Shona 2009?
Iye akati: Varume, hama namadzibaba, teererai. Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati, “Varume, hama, namadzibaba, inzwai, Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,