Acts 7:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋona mumŋe aciitirwa ɀisakarurama, ndokumurwira, akaʋuraya muEgipita, acitsiʋa wakaŋga acitambudzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaona mumwe wavo achiitirwa zvakaipa akadzivirira aiitirwa zvakaipa. Akamutsividzira nokuponda muIjipiti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa.
Shona 2009?
Zvino wakavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndoku\add mu\add*rwira, achitsiva wakanga achitambudzwa akavuraya muIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Akaona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akauraya muIjipiti, achitsiva akanga achitambudzwa.