Acts 7:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati, ɀimŋe hama dzake dzicanzwisisa kuti Mŋari wakaŋga aciɗa kuʋaponesa noruʋoko rwake; asi haʋana‐kunzwisisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi aifunga kuti hama dzake dzainzwisisa kuti Mwari aida kuvanunura nomumaoko ake asi havana kunzwisisa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa.
Shona 2009?
Aifunga kuti zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari akanga achida kuvaponesa noruoko rwake; asi havana kunzwisisa.