Acts 7:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino iye wakaŋga aciitira wokwake ɀisakarurama akamusundira kure, aciti: Ndianiko wakakuita muɓati nomutoŋgi weɗu?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Asi munhu uya akanga achitambudza mumwe akasundudzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi murume aiitira mumwe zvakaipa akamusairira kurutivi achiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi wedu?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?
Shona 2009?
Zvino iye wakanga achiitira muvakidzani wake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino iye akanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?