Acts 7:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akatiza acinzwa shoko iri, akandoʋa mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandoɓereka ʋanakomana ʋaʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi paakanzwa izvi akatiza. Akava mupoteri munyika yavaMidhia kwaakabereka vanakomana vaviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
Shona 2009?
Neshoko iri Mozisi akatiza, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidhiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.