Acts 7:35 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Uyu Mosesi waʋakaramba, ʋaciti: Ndiani wakakuita muɓati nomutoŋgi? ndiye wakatumŋa naMŋari nomutumŋa wakaʋonekwa naye mugwenzi, kuti aʋe muɓati nomudzikinuri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi uya wavakaramba vachiti, ‘Ndiani akakuita mambo nomutongi?’ Murume iyeyo ndiye akatumwa naMwari samambo somununuri nesimba romutumwa akazviratidza mugwenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
Shona 2009?
Uyu Mozisi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye Mwari waakatuma \add kuti ave\add* mutongi nomudzukunuri noruoko rwomutumwa naMwari, akavonekwa naye mugwenzi.
Shona SUB 2002 Bible
“Uyu Mosesi wavakaramba, vachiti, ‘Ndiani wakakuita mubati nomutongi?’ Ndiye akatumwa naMwari nomutumwa akaonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.