Acts 7:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akaɓuɗa munyika yaʋaKardia, akagara Harani. Ɀino ɓaɓa ʋake ʋakati ʋafa, Mŋari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino.
Shona 2009?
Ipapo akabuda munyika yavaKaradhia, akagara Harani; zvino kubva ipapo baba vake vakati vafa, Mwari akamubvisa akamugarisa kunyika ino yamugere.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akabuda munyika yavaKaridhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisa ipapo kunyika ino yamugere zvino.