Acts 7:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi haana‐kumupa nhaka imomo, kunyaŋge paaŋgatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti ucamupa iyo, iʋe yake neyaʋana ʋake ʋaizomuteʋera, asati atoŋgoʋa nomŋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haana nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana.
Shona 2009?
Asi haana kumupa nhaka mairi, kunyange paangatsika rutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati a\add tongo\add*va nomwana.
Shona SUB 2002 Bible
Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyangwe paangatsika norutsoka rwake, asi akamupikira kuti achamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana.