Acts 7:52 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndoupiko pakati paʋaprofita, usina‐kutambudzwa namadziɓaɓa enyu? Ʋakaʋuraya aʋo ʋaiparidza kuʋuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuʋuraya ɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Muporofita upi asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya vaya vakafanotaura zvokuuya komururami wakamupandukira mukaponda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino.
Shona 2009?
Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya koWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.
Shona SUB 2002 Bible
Ndoupiko pavaporofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu? Vakauraya avo vaiparidza kuuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuuraya zvino.