Acts 8:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Sauro wakaŋga acitenda kuʋurawa kwake. Ɀino neŋguʋa iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa ɀikuru, ʋakaparadzirwa ʋose kunyika yeJudea neSamaria, ʋakasara ʋaapostora ɓedzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sauro akabvumirana nezvokuuraiwa kwake. Musi iwoyo kutambudzwa kukuru kwesangano kwakamuka muJerusaremu. Vose, kusiya vapositori chete, vakapararira nenyika yeJudhea neSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sauro akanga achitenda kuurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vapostori bedzi.
Shona 2009?
Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhiya neSamaria, vakasara vapositora bedzi.
Shona SUB 2002 Bible
Sauro akanga achitenda kuurayiwa kwake. Zvino nenguva iyo Chechi yapaJerusaremu yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhiya neSamaria, vakasara vapostori bedzi.