Acts 8:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiye Simoni akatenda ʋo, ndokubapatidzwa ʋo, akagara naFiripo; akashamiswa, aciʋona ɀiratidzo namaɓasa esimba makuru, akaŋga aciitwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simoni pachake akatenda uye akabhabhatidzwa. Uye akatevera Firipi kwose kwose, achikatyamadzwa nezviratidzo zvikuru zvaakaona.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange Simoni pachake akadavira. Mushure mokunge aombekwa akaenderera mberi aina Firipi. Paakaona zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakaitwa zvakamukatyamadza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa.
Shona 2009?
Naiye Simoni akatendavo, ndokubhabhatidzwavo, akagara naFiripi; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.
Shona SUB 2002 Bible
Naiye Simoni akatendawo, ndokubhabhatidzwawo, akagara naFiripi; akashamiswa, achiona zviratidzo namabasa emasimba makuru, akanga achiitwa.