Acts 8:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
aciti: Ndipei neni ʋo simba iri, kuti wandineŋge ndiciisa maʋoko pamsoro pake, apiwe Mŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati, “Ndipeiwo simba iri kuti munhu wose wandichaisa maoko pamusoro agamuchire Mweya Mutsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndipeiwo simba irori kuti munhu wose wandinenge ndaisa maoko angu paari agamuchire Mweya Mutsvene.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.”
Shona 2009?
achiti: Ndipei nenivo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
achiti, “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.”