Acts 8:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire ɀikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa necimŋe caiɀoɀo ɀamareʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Simoni akapindura akati, “Ndinyengetererei kuna She kuti zvose zvamataura zvirege kuitika kwandiri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simoni akapindura achiti, “Ndinamatireiwo kuna Tenzi kuitira kuti zvose zvamataura zvirege kundiwira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.”
Shona 2009?
Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imwi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.
Shona SUB 2002 Bible
Simoni akapindura, akati, “Mundikumbirire zvikuru imi kuna Ishe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.”