Acts 8:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋapupura kwaɀo nokutaura shoko raShe, ʋakadzokera ɀe Jerusarema, ʋaciparidza Evaŋgeri mumisha mizhinji yaʋaSamaria.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vapupura nokuparidza shoko raShe, Petro naJohani vakadzokera kuJerusarema, vachiparidza vhangeri mumisha yakawanda yomuSamaria.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pavakanga vapa uchapupu hwavo uye vataura shoko raTenzi vakadzokera kuJerusaremu vachiparidza Shoko Rakanaka mumisha yakawanda yevekuSamaria.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
Shona 2009?
Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raIshe, vakadzokerazve Jerusaremu, vachiparidza Vhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.