Acts 8:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paakaŋga aciraʋa paRugwaro paiti: Wakaiswa pakuɓayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuʋeʋuri waro, Saiɀoɀo haana‐kushamisa muromo wake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndima yaMagwaro Matsvene yaaiverenga ndeiyi. “Sehwai iri kuendwa nayo kundouraiwa kana sehwayana iri pamuveuri wayo, haana kumboti muromo bufu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti, “Akaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
Shona 2009?
Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino paakanga achirava muRugwaro paiti, “Akaiswa pakubayiwa segwai; Segwayana rinyerere pamberi pomuveuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;