Acts 8:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mŋeya yetȿina yakaɓuɗa kuʋazhinji ʋaiʋa nayo, iciɗanidzira nenzwi guru; naʋazhinji ʋakaŋga ʋakafa mitezo naʋaikamhina ʋakaporeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti, mweya yetsvina yakabuda muvanhu ichidanidzira nenzwi guru, uye vazhinji vakanga vakaoma mitezo navakanga vakaremara vakaporeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti mweya yakaipa yakabuda muna vazhinji vakanga vakapoterwa ichizhamba. Vamwe vazhinji vakanga vakaoma mitezo kana kuremara vakarapwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa.
Shona 2009?
Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakawoma mitezo navaikamhina vakaporeswa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nezwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa.