Acts 9:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Ishe akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanaŋgurwa neni, kuti aende nezita raŋgu kuʋahedeni, namadzimambo, nokuʋana ʋaIsraeri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Ishe akati kuna Ananiasi, “Enda! Murume uyu mudziyo wangu wandakasanangura kuti aende nezita rangu pamberi pavahedheni napamberi pamadzimambo avo uye napamberi paIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi akati kwaari, “Enda zvako nokuti iye mudziyo wangu wokutakura zita rangu pamberi pevechirudzi napamberi pamadzimambo napamberi pavaIsiraeri,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsiraeri;
Shona 2009?
Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;
Shona SUB 2002 Bible
Asi Ishe akati kwaari, “Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana VaIsiraeri;