Acts 9:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakaɀiratidza kwauri munzira yawakaʋuya nayo, wakandituma, kuti uʋone ɀe, uzadzwe noMŋeya Mutȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Ananiasi akaenda kuimba iyi akasvikopindamo. Akaisa maoko ake pamusoro paSauro akati, “Muzvarwa Sauro, Ishe Jesu, uyo akazviratidza kwauri pamugwagwa pawakanga uchiuya kuno, andituma kuti iwe uonezve uye uzadzwe noMweya Mutsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo Ananiya akaenda akasvikopinda muimba iyoyo. Akaisa maoko ake paari akati, “Hama Sauro, Tenzi Jesu akazvionesa panzira yawaiuya nayo andituma kuti ukwanise kuonazve uye kuti uzadzwe naMweya naMutsvene.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.”
Shona 2009?
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa maoko ake pamusoro pake, akati, “Sauro, hama, Ishe Jesu, akazviratidza kwauri munzira yawakauya nayo, akandituma, kuti uonezve, uzadzwe naMweya Mutsvene.”