Acts 9:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋose ʋakaɀinzwa ʋakashamiswa, ʋakati: Ko uyu haazi iye waiparadza ʋaiɗana kuzita iri paJerusarema here, akaʋuyira iɀoɀo pano, kuti aende naʋo ʋakasuŋgwa kuʋaprista ʋakuru?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vose vakamunzwa vakakatyamara vakati, “Ko, haazi iye here akamutsa bongozozo muJerusarema pakati paavo vanodana kuzita iri? Uye haana kuuya kuno kuzovabata savasungwa kuti avaendese kuvaprista vakuru here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vose vakamunzwa vakakatyamadzwa vachiti, “Ko uyu haasiriye here murume uya akamutsa muchokoto muJerusaremu kuna vavo vanodaidza zita iri uye ndozvaavinga kuno kuti aende navo vakasungwa kuvaPristi vakuru?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”
Shona 2009?
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaprista vakuru?
Shona SUB 2002 Bible
Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati, “Ko uyu haazi iye aiparadza vaidana zita iri paJerusaremu here, akauira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”