Acts 9:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akawana’po mumŋe munhu, wainzi Eneasi, wakaŋga aʋete panhoʋo makore masere, mitezo yake yakafa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ikoko, akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga akaoma mutezo uye akanga achigara avete panhoo kwamakore masere.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ikoko akawana mumwe murume ainzi Eniasi akanga angove wepabonde nokurwara kwamakore masere uye akanga akafa mitezo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa.
Shona 2009?
Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akawoma mitezo.
Shona SUB 2002 Bible
Akawanapo mumwe munhu, ainzi Eniyasi, akanga avete panhoo makore masere, mitezo yake yakafa.