Acts 9:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino paJopa pakaŋga panomukadzi waiʋa mudzidzi, wainzi Tabita, ndokuti Dorkasi, kana ɀicishandurwa. Iye waishiŋgaira ɀikuru pamaɓasa akanaka neɀipo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
MuJopa maiva nomudzidzi ainzi Tabhita (kana zvichishandurwa, Dhokasi), aiita zvakanaka nguva dzose uye achibatsira varombo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
KuJopa ikoko kwaiva nomudzimai ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, akanga azere namabasa akanaka namabasa etsitsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo.
Shona 2009?
Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino paJopa pakanga pano mukadzi aiva mudzidzi, ainzi Tabhita, ndokuti, Dhokasi, kana zvichishandurwa. Iye aishingaira zvikuru pamabasa akanaka ezvipo.